Nyadire, rwizi rwekwedu rwakandirera.
Rwaive nemadziva akarema nemazambuko
Rwuno pinda nemumisha yakawanda
Marwuno pfuura rwakatakura madiro
Rwakazara rwainzwika nekure kushinyira
Nepamutserendende pataitambira, tsve mombe.
Zigwengwe kuribata, dzinza rese raitunhidzwa
Musorochena kudai, mucherechdzo wenguva
Asi tiri hova imwe, kubvira pamadiro
Anotiona zvino ano shaya mavambo edu
Misodzi yako ndakaitiva, ndika nwira
Takapa mvura vashomavo, tikapatsanisa
Vasinga gare vese. Tava pamasangano
Nzizi dzenyu nedzedu, dziri muvana vedu.
Farai Madzimbamuto
Nov 2008