Quantcast
Channel: Zimbablog
Viewing all articles
Browse latest Browse all 40

Dzimwe haiku muchiShona

$
0
0

Nekuenda kwenguva, haiku yaita ichiwanza zvaino taura nazvo.

Kare yaisapinda munyaya dzerudo kana dzenyika ; yaingo reveswa

zveusikwa, kupindana kwemazuva nemwaka nekugarisana kwevanhu neusikwa.

Haiku muChiRungu inenzvanyira [silab'le] 17 chete [gumi nenomwe : seven’tini] dzakarongwa kuti shanu [5], nomwe [7] neshanu. Izvi zvinosiyana mutauro nemutauro nekuti marongerwo enzvanyira anosiyana. Uyezve, pane mazwi anepikisano.

Kodzero

Kodzero kukudza munhu

Semuchero unova muti

Temhai, musatema hunde

Mushana

Tino sundira tsvangirai

Pamberi nekakutukirira

Isu totsvanga mushana

Vana

Mwana akura, ofamba ega

Isu vabereki tosara nepfungwa

Zhizha taribva, sare chirimo

Kudada

Kudadai kunenge kupenga

Kuramba zvakaonekwa newese

Vhoti dyarei, demo simei.

Basa

Amai garai ndichauya

Basa rava kunyika dzekure

Ndityirei pakuyambuka

Farai Madzimbamuto


Viewing all articles
Browse latest Browse all 40

Trending Articles