Nekuenda kwenguva, haiku yaita ichiwanza zvaino taura nazvo.
Kare yaisapinda munyaya dzerudo kana dzenyika ; yaingo reveswa
zveusikwa, kupindana kwemazuva nemwaka nekugarisana kwevanhu neusikwa.
Haiku muChiRungu inenzvanyira [silab'le] 17 chete [gumi nenomwe : seven’tini] dzakarongwa kuti shanu [5], nomwe [7] neshanu. Izvi zvinosiyana mutauro nemutauro nekuti marongerwo enzvanyira anosiyana. Uyezve, pane mazwi anepikisano.
Kodzero
Kodzero kukudza munhu
Semuchero unova muti
Temhai, musatema hunde
Mushana
Tino sundira tsvangirai
Pamberi nekakutukirira
Isu totsvanga mushana
Vana
Mwana akura, ofamba ega
Isu vabereki tosara nepfungwa
Zhizha taribva, sare chirimo
Kudada
Kudadai kunenge kupenga
Kuramba zvakaonekwa newese
Vhoti dyarei, demo simei.
Basa
Amai garai ndichauya
Basa rava kunyika dzekure
Ndityirei pakuyambuka
Farai Madzimbamuto