Quantcast
Channel: Zimbablog
Viewing all articles
Browse latest Browse all 40

Chakasimba chiri mandiri – Labbi Siffre

$
0
0

[Pandaona rumbo rwuri kuimbwa seanthemu yeHIFA, ndati nditeerere. Rwandi zipa chaizvo.

Ndafunga kuti zvimwe zvingabatsirao mazwi acho akava muChiShona tianzwisise tose tose.

Hameno kuti anoimbika here [semunhu anehuyanga pakuimba] asi ndinofunga kuti pane vangapagonawo ipapo.  Hameno kuti pane anogonawo here kupinzwa rwiyo rwacho muChiNdevere kana imwe mitauro yemuZimbabwe. Tino tora zvakawanda zvekune dzimwe nyika tichizviita zvedu asi tisinga simudzire zvedu zvakanaka. Rwumbo harusi rwedu zvedu asi kurwuimba mumitauro yekwedu zvinga simudzire kuimba nenzira dzakasiyana siyana.]

zvipingidzo zvingakura pakadii

ndino kurao kuzvipfuura

kure kupi kungaiswa kodzero dzangu

ndino mhanya kusvika ikoko

kana mukandi ramba

kana kuringa zvenyu kumwe

hazvinei, nekuti…….

..

[korasi]

chakasimba chiri mandiri

ndino ziva kuti ndino zvikwanisa

kunditadzira kwamunoita

mai funga kuti handichina madado

asi pane chakasimba chiri mandiri

..

pamuno rambisisa kunzwa izwi rangu

ndipo pandino nyaudzisa rumbo rwangu

hwandai seri kwemazidziro eJeriko

manyepo enyu achaondomoka pasi

mungandi nyima zvenyu nguva yangu pano

muchiparadza upfumi nehwangu

asi mwenje wangu uchapenya chaizvo

uchakupoforai maziso

nekuti……

..

[korasi]

chakasimba chiri mandiri

ndino ziva kuti ndino zvikwanisa

kunditadzira kwamunoita

mai funga kuti handichina madado

asi pane chakasimba chiri mandiri.

..

vakoma ne hanzvadzi

vakasimbira vachiti hatikodzere

isu tinoziva zvimwe

ingo varingai pameso muchiti:

ndichangozviita chete

ndichangozviita chete.

..

[korasi]

chakasimba chiri mandiri

ndino ziva kuti ndino zvikwanisa

kunditadzira kwamunoita

mai funga kuti handichina madado

asi pane chakasimba chiri mandiri

..

vakoma ne hanzvadzi

vakasimbira vachiti hatikodzere

isu tinoziva zvimwe

ingo varingai pameso muchiti:

ndichangozviita chete

ndichangozviita chete.

..

muturiki : Farai Madzimbamuto


Viewing all articles
Browse latest Browse all 40

Trending Articles