[Pandaona rumbo rwuri kuimbwa seanthemu yeHIFA, ndati nditeerere. Rwandi zipa chaizvo.
Ndafunga kuti zvimwe zvingabatsirao mazwi acho akava muChiShona tianzwisise tose tose.
Hameno kuti anoimbika here [semunhu anehuyanga pakuimba] asi ndinofunga kuti pane vangapagonawo ipapo. Hameno kuti pane anogonawo here kupinzwa rwiyo rwacho muChiNdevere kana imwe mitauro yemuZimbabwe. Tino tora zvakawanda zvekune dzimwe nyika tichizviita zvedu asi tisinga simudzire zvedu zvakanaka. Rwumbo harusi rwedu zvedu asi kurwuimba mumitauro yekwedu zvinga simudzire kuimba nenzira dzakasiyana siyana.]
zvipingidzo zvingakura pakadii
ndino kurao kuzvipfuura
kure kupi kungaiswa kodzero dzangu
ndino mhanya kusvika ikoko
kana mukandi ramba
kana kuringa zvenyu kumwe
hazvinei, nekuti…….
..
[korasi]
chakasimba chiri mandiri
ndino ziva kuti ndino zvikwanisa
kunditadzira kwamunoita
mai funga kuti handichina madado
asi pane chakasimba chiri mandiri
..
pamuno rambisisa kunzwa izwi rangu
ndipo pandino nyaudzisa rumbo rwangu
hwandai seri kwemazidziro eJeriko
manyepo enyu achaondomoka pasi
mungandi nyima zvenyu nguva yangu pano
muchiparadza upfumi nehwangu
asi mwenje wangu uchapenya chaizvo
uchakupoforai maziso
nekuti……
..
[korasi]
chakasimba chiri mandiri
ndino ziva kuti ndino zvikwanisa
kunditadzira kwamunoita
mai funga kuti handichina madado
asi pane chakasimba chiri mandiri.
..
vakoma ne hanzvadzi
vakasimbira vachiti hatikodzere
isu tinoziva zvimwe
ingo varingai pameso muchiti:
ndichangozviita chete
ndichangozviita chete.
..
[korasi]
chakasimba chiri mandiri
ndino ziva kuti ndino zvikwanisa
kunditadzira kwamunoita
mai funga kuti handichina madado
asi pane chakasimba chiri mandiri
..
vakoma ne hanzvadzi
vakasimbira vachiti hatikodzere
isu tinoziva zvimwe
ingo varingai pameso muchiti:
ndichangozviita chete
ndichangozviita chete.
..
muturiki : Farai Madzimbamuto