pazvakavambwa, watambarara shamwari
ko, zvawafamba wega, mwana waMwari
chokwadi zvaguma here, wasiira ani
ndima yako . Ko kapadza kako, mupini
hakachina anobata. Watisiya hama tashama
dai ndaiziva chakakuroya, hama
chakakubaya chatibaya pahana
chatyokera munyika, hapachina kutana
hausiwega munzira, tichabatana
nemabasa ako haurovi ; watisiya kudai takashama.
tasvimha tose tose, kufunga iwe
kufunga vana, vako nevedu mwachewe
tinokuwana kupi kana worwadza mwoyo
zvawava nyikadzimu, waenda kumweya.
Farai Madzimbamuto
Jan 2009
[ndichiyeuka Chiremba Isidore Pazvakavambwa
akatisiya musi wa 25 Januari 2009]