Quantcast
Channel: Zimbablog
Viewing all articles
Browse latest Browse all 40

Haiku muchiShona

$
0
0

Haiku rudzi rwekudetemba muChiJapani. Mitemo yacho yehaiku [kuhaika] muChiJapani yakaoma asi vanyori vemimwe mitauro yakaita seChiHingirishi vari kutamba nemanyorerwo ehaiku nenzira dzino pindirana nemitauro yavo.

Inonyorwa iri mitsetse mitatu chete. Chimwewo ndechekuti zvinotoda kuti pave nongedzo yemwaka.

Misodzi

Misodzo pahwindo

ekunze kunaya, mukati mwando

ndafunga kumusha, maziso mokoto.

Mvura

Mvura mutuvi

ino sveta kana dombo

ropa igukura.

Mwana

mwana wazvarwa

ruva ravhurika, meso machena

gare gare guva.

Mwedzi

mwedzi wachena

pasi muponorwa, denga musvuu

dariro renyeredzi.

Farai Madzimbamuto


Viewing all articles
Browse latest Browse all 40

Latest Images

Trending Articles



Latest Images