Quantcast
Channel: Zimbablog
Viewing all 40 articles
Browse latest View live

Haiku muchiShona

$
0
0

Haiku rudzi rwekudetemba muChiJapani. Mitemo yacho yehaiku [kuhaika] muChiJapani yakaoma asi vanyori vemimwe mitauro yakaita seChiHingirishi vari kutamba nemanyorerwo ehaiku nenzira dzino pindirana nemitauro yavo.

Inonyorwa iri mitsetse mitatu chete. Chimwewo ndechekuti zvinotoda kuti pave nongedzo yemwaka.

Misodzi

Misodzo pahwindo

ekunze kunaya, mukati mwando

ndafunga kumusha, maziso mokoto.

Mvura

Mvura mutuvi

ino sveta kana dombo

ropa igukura.

Mwana

mwana wazvarwa

ruva ravhurika, meso machena

gare gare guva.

Mwedzi

mwedzi wachena

pasi muponorwa, denga musvuu

dariro renyeredzi.

Farai Madzimbamuto


Antigone

$
0
0

Dear Friends

I have done a draft translation of Antigone into Shona.

Is there anyone with theatrical ambitions to help develop it further.?

Farai

Kutambanemazwi

$
0
0

Mutambanemazwi

Kuti pasi pose / pasi rose kana richi nyorwa rino nyorwa semazwi mairi pasi na pose / rose. Zvinoreva here kuti izwi iri harisi zita here rechinhu chinonzi ‘pasirose / pasipose’. Kana panechinhu chimwe chinonzi pasipose [zvichi reva kuti izita] zvinenge zvino fanira kuti rive izwi rimwe chete. Chinhu chimwe ichi ndiro burungwa ratigere rinongo papama mudengarose.

Tikabvuma kuti tichiti ‘pasirose / pasipose’ hatisi kutsanangura zvinhu zvatiri kuona tichisanganidza mupfungwa dzedu, tiri kuto nongedzera chinhu nezwi [noun], zvinoti batsira kuongorora mamwe mazwi akaita sesikwarose [yunivhesi]. Tikariita izwi rimwechete rinobva rava zita renzvimbo kana zvinhu. Rikava mazwi maiiri sikwa rose rava kutsanangura [adjective] kuti chinhu chakasikwa chose. Kwozouyawo mazwi anoti masimbaose [Almighty] ne masimba ose [simba rako rose]. Mamwe mazwi anonetsa kupatsana anoti mazuva ose [every day] musi wose [all day] misi yose [every day] misiyose [narinhi: forever]

Tsautso iyi inotikwanisa kuumba mazwi akaita seekuti

  • umhukahwose [Animal Kingdom],
  • merarose [Plant Kingdom],
  • hunhuhwose [human race, humanity] , hunhu hwose [hunhu hwemunhu]
  • vanhuvose [population], vanhu vose [everybody],
  • munhuwose [whole person] munhu wose [every body]
  • dengarose [space , sky], denga rose [whole roof]

Kana tika tevedza pfungwa iyi tinogumira kupi?

Farai Madzimbamuto

Dzimwe haiku muchiShona

$
0
0

Nekuenda kwenguva, haiku yaita ichiwanza zvaino taura nazvo.

Kare yaisapinda munyaya dzerudo kana dzenyika ; yaingo reveswa

zveusikwa, kupindana kwemazuva nemwaka nekugarisana kwevanhu neusikwa.

Haiku muChiRungu inenzvanyira [silab'le] 17 chete [gumi nenomwe : seven’tini] dzakarongwa kuti shanu [5], nomwe [7] neshanu. Izvi zvinosiyana mutauro nemutauro nekuti marongerwo enzvanyira anosiyana. Uyezve, pane mazwi anepikisano.

Kodzero

Kodzero kukudza munhu

Semuchero unova muti

Temhai, musatema hunde

Mushana

Tino sundira tsvangirai

Pamberi nekakutukirira

Isu totsvanga mushana

Vana

Mwana akura, ofamba ega

Isu vabereki tosara nepfungwa

Zhizha taribva, sare chirimo

Kudada

Kudadai kunenge kupenga

Kuramba zvakaonekwa newese

Vhoti dyarei, demo simei.

Basa

Amai garai ndichauya

Basa rava kunyika dzekure

Ndityirei pakuyambuka

Farai Madzimbamuto

Nyadire

$
0
0

Nyadire, rwizi rwekwedu rwakandirera.

Rwaive nemadziva akarema nemazambuko

Rwuno pinda nemumisha yakawanda

Marwuno pfuura rwakatakura madiro

Rwakazara rwainzwika nekure kushinyira

Nepamutserendende pataitambira, tsve mombe.

Zigwengwe kuribata, dzinza rese raitunhidzwa

Musorochena kudai, mucherechdzo wenguva

Asi tiri hova imwe, kubvira pamadiro

Anotiona zvino ano shaya mavambo edu

Misodzi yako ndakaitiva, ndika nwira

Takapa mvura vashomavo, tikapatsanisa

Vasinga gare vese. Tava pamasangano

Nzizi dzenyu nedzedu, dziri muvana vedu.

Farai Madzimbamuto

Nov 2008

Nzwiraiwo vamwe

$
0
0

Mandiwana ! Mandibata ! Handityi !

Handizi ndega. Ndiri ‘fandareva.

Ndionerei zvenyu pasi. Muchapagara.

Kwamuri ndiri mbeu yeparuware.

Asi ndipo paino onekwa nevakawanda

Rovai zvenyu. Pondai ! Handirove.

Magaro, tsoka, musana, sikarudzi.

Chirarai hope dzandashaya, dzimai

Pfungwa nezvipo, muumbavha gutsanai

Kundipfuudza kusandigumisa.

onai meso avanhu, ringai maziso avo

Ndiri mwenje mubako. Uchapisa.

Kunzwira vamwe kuti vave vanhu, semi.

Farai Madzimbamuto

Nov 2008.

Haiku

$
0
0

teyoupfumi

Ndaiti zvimwe mudyandigere

Muteyo wehupfumi

Nanga kuposha vamwe.

pagomo

pagomo papfigwa

ndararisa murapwi

ndanzwa. Nhau mapopopo.

mvura yaipa

ashaya, ndanaya

avigwa ini ndayambuka

imvura dzaipa

gwema

zvanzi kwedu kwaita mauni

anenge gwema

chandoziva kwaita gonye.

usiku

kwadoka ndotya rima

usiku hunoreba kuchamhembe

pfungwa igwindingwi

paindaneti

paindaneti panotaurwa zvakawanda

anobvotomuka, seari pabira

zvoerera nenguva serwizi

kuora

mwedzi ukaora nhai

pane chinoitika  ?

ko nyika ?

rudo

ndakadana newe kure

pfungwa dzedu

makomo  epedyo

obama

tafara varungu vada Obama

isu tingasarure muRungu ?

sarura wako nhamo ichauya.

kumusha

kwava kumusha ndekupi

kudzinza ? ko kwevana ?

ndafunga mango, ndoona chando.

muchato

musi wanda chata kwainaya

kuno chando, kwedu zhizha

ruviri viri, asi rufu ega ega.

pfungwa

rima kuva ndega nepfungwa

pavanhu ndini neziso rangu

pfungwa imbeu, munhu mumwe

Farai Madzimbamuto

Oct 2008

Vakomana Vaviri veZimbabwe

$
0
0

Athol Fugard recounts the story of how he got a visit from some black actors in East London in the sixties. They wanted his help and support to put on the Greek play ‘Antegone’ by Socrates. This led to his continued involvement with the actors in the black township of New Brighton. The play had very strong resonance with the residence and people of South Africa at that time. Classical Greek plays by their nature are quite spare of props and lend themselves to staging in bare settings. However the real leap happened because of the persistent police harassment when one of the actors was arrested before he could perform in the play. He ended up in Robben Island. There he finally got to realise his ambition by putting on a performance for the prison warders at year’s end. This was a custom in the prison that prisoners put on a fifteen minute performance once a year. He chose to focus on Antegone’s speech to the King Creon. He knew the whole play by heart. He created a performance around the speech with another prisoner. This is the play ‘The Island’. So the play ‘Antegone’ transmuted itself into ‘The Island’. This, in the best sense of the word, is the ‘township’ theatre.

When I went to see ‘Vakomana Vaviri veZimbabwe ‘ at the Oval Theatre, London, I was excited and feverish looking forward to a Zimbabwean interpretation of Shakespeare, even though I was intrigued by the choice. The play begins at a minibus rank somewhere in Zimbabwe.

There is banter between two touts which leads to them wanting to show off their English. To demonstrate the felicity of their command of English they perform The Gentlemen of Verona. There a few Shona gestures thrown in but essentially this is a straight run of the play. With minimum of props : a luggage trunk which plays many parts as a clothes carrier, a bath, a carriage and a music resonator for the mbira so on. A glove transforms the wearer into a female role etc. The two actors Denton Chikura and Tonderai Munyevu play all the fifteen parts between them. The changes are sometimes very swift and brief , someone not familiar with the play could easily get confused about the characters and the complex plot. It is a comedy and they bring off the comic spirit of it very convincingly, even if the language is difficult. You get the feeling that they could put on the play anywhere, even at a minibus stop or under a tree in Zimbabwe.

The next challenge is one of relevance. Theatre is entertainment, and this was entertaining. There has not been a shortage of entertaining theatre in Zimbabwe : some quite escapist, such as ‘Dear Mr Lampard’ by Risenga Mkondo on BBC World Service at present. Keeping strictly Shakespeare means it does not make the transition to present day Zimbabwean lives. It remains British, Middle English and colonial. Even the idea that to show ones prowess in English one is to refer to Shakespeare would raise post-colonial hackles. As the story progress the main characters are exiled . There they find that their friendship changes and their cultural assumptions loosen. This talks to the experience of displacement. There are other Shakespeare plays that may resonate also with Zimbabwe, like Richard III. Richard III, a tortured, cruel and autocratic ruler who creates the enemies that defeat him in the end. There have been other plays that have been performed that address from a more contemporary perspective. The Resistible Rise of Arturo Ui by Brecht for example at the Lyric Theatre in London in February 2008, with Wina Lucien Msamati.

Clearly what is needed is for us to textualise our own voices. This is what Athol Fugard and the Serpent Players were able to achieve with their famous plays like Sizwe Bansi is Dead and The Island. Can Feso be turned on its historical head, from a text of the nationalist struggle to one of the national struggle against a brutal and uncaring ruler? Can it even be a musical? Remember remember Serafina . The short story and the poem in English appear to have become the dominant modes of expression in Zimbabwe letters at present both in-print and on the internet. The stories and the imagination they contain are powerful, showing that : yes we can !

Farai Madzimbamuto
Nov 08


Pfumo nemuridzi waro

$
0
0

Iyi ngano iyi ndakainzwa musuuno. Yakandifadza chaizvo ndikati zvimwe pane anga nakidzwa wo nayo .

Zvinonzi musuuno, VaTsvangirai nekufamba famba kwavarikuita, vaifamba zvavo muAddis Ababa. Vainge vari kutevedza mumvuri we stubhu vachitaura zvavo nevamwe vaiva vava shamwaridza muguta imomo. Vakaerekana vadzivirirwa pamberi pavo nemumwe murume. Aive mukuru asi asati achembera – sezvatakangoita wo isusu. Aive ne mhumhu mudiki asi akakombama kombama musana. Muruwoko rwerudyi maive mune mubhadha murefu uri mukobvu, waito enzana kureba naVaTsvangirai. Kufamba aito zendamira mubhadha uyu onzvizvuva. Tsanda dzemumaoko dzaive dzakakura dzakati tande kurakidza kusimba chaizvo.

VaTsvangirai, semunhu aive nerudo nevanhu, vakabva vaziva kuti varikumiswa. Pakutanga vaiti zvimwe mukuru uyu aida kuvakumbira rubatsiro. Asi hazvina kutora nguva kuona kuti matarisirwo avaiitwa airakidza kuti vari kuongororwa zvakapinza. Vakanzwa maziso emurume uyu achipinda mumuviri mavo nemupfungwa dzavo.  Vakava semunhu ari musvo.

Vakuru‘ ndiye murume uyu akatanga, ‘ndingade chaizvo kumbokurukura nemi . Maonero andakuitai makaremerwa . Ndatadza ?

‘Aiwa, hamuna kutadza. Kuti ndive kuno kure kure nekumusha kwangu kuti ndito tsvanga rubatsiro . Kwedu tinoti : chitsva chinobva murutsoka.’

Murume uyu akarakidza VaTsvangirai chikwangwari chesimbi chaive chakanyorwa nemavara ekuIthiopia ikoko, saka vedu ava, hapana akaziva kuti pakanzii. Vakati vabvunze, asi murume aive achakamira pamberi pavo achibva ati , ‘ Ndinonzi Esap, ndiri sarungano wenyaya dzino chenjedza nekuraira’ .

‘Kwedu tinoiziva ESAP . Kuti yakati chenjedza ndinganyepe nekuti takabva taramba tichingo ipisa hupenyu hwedu pasina dzidzo. Chii chamungati fundisa iye zvino ?

‘Saka tino zivana ! Chete Esapu wenyu uyu handifunge kuti ndini ba. Zvisineyi, pindai nepapa’.

VaTsvangirai vakaendwa navo  mukamwe kamba kaive kuseri kwezvitoro. Kaive kamba fanika kemumaruwa kematombo nehuswa . Kaive nemahwindo madiki asi aipinza zuva. Mahwindo acho aive ari ekukwidibirwa nemiti yakavezwa yobatanidzwa. Kukaona nekukapinda kamba aka zvaite sekunge munhu uri kupinda munyika yavechikare. Zvisineyi, semunhu anga azvipira kutsvanga zvingabatsire vekumusha kwake, havana kutya kana kuvhunduka. Vakapuhwa pekugara pabonde nejira rekumonera mutsipa rino fuga mapendekete ne chipfuva, kunge munhu akafuga gumbeze.

Mukuru chirema uya ndokubva agara pamberi paVaTsvangirai vakatarisana. Vaive vatofugawo jira vakaisa maoko mukati mejira.  Vagere vairerekera mberi kunge kuvhumbama vakabatira mubhadha nechepasi asi ruoko rwakavigwa.  Vakatanga nekudhonzera ruoko rwavo rweruboshe kurutivi ndokuburitsa pfumo pfupi raive raka shongedzwa nemavara mavara anoyevedza chaizvo. Rakaiswa pakati pavo ndokuti kuna VaTsvangirai ‘Ndiudzei zvamunoona papfumo iri ?

VaTsvangirai vakariyeva  vakari penengura nemaziso. Vakazoburitsa maoko vakaringa murume aive pamberi pavo , akabva achimbidza  kugutsirira, kuri kupa mvumo yekuribata. Rakasimudzwa rikapimwa muruwoko nekuri pidigura. ‘Pfumo iri ndere kare kare, muremero waro simbi yakadai kashoma kuwanika mazuva ano. Semunhu akambo sevenza pamugodhi ndine karuzivo nesimbi. Rine ngura uye rucheko rwaro rwava nenguva rwagomara . Muzvinyorwa umu mune ropa rakaomerapo kare kare.‘ Akambotura femo, achibva apindirwa asati atanga zvekare.

‘Chii chamungade kubvunza maererano naro pfumo iri ?

‘Ndigade chaizvo kunzwa kuti muridzi waro aripi ?

Vakabvunza vakatarisa chiso chemurume aive pamberi pavo akanga akavaringa muziso chaimo. Havana kuona muromo uchishama kutaura mazwi avakanzwa mumusoro mavo : ‘Ndaive nemuridzi mumwechete chete akaparara kare kare. Asi ini ndakaparadza vakawanda chaizvo mumaoko evakawanda’ .

‘Maiwana mhinduro yenyu ? Ino revei ?

‘Zvinotoda kufunga zvakanaka. Mungandi dudzire wo imimi ?

‘Zvinoda ndichiziva zviri kuitika kwamabva. Ini handisi mufemberi, asi ndine ngano dzino chenjedza. Imi moenda nengano iyi kwenyu mono taurirana moona kuti chii chamunga wane munyaya iyi.’ Akapindura murume uya akabva asimuka oburitsa vanhu mukamba kaye.

Vava panze  VaTsvangirai vakambozeya , vakati rega ndimbo zivisa vabiyangu vemusangano zvandiwira nhasi musango muno. Zvimwe vanga budewo nepamwe. Vakatsvanzvadzira muhomwe vachitsvanga mobhairi foni. Vapedza kuti baye baye vakanzwa VaBiti vachishevedzera munzeve.

Ko tipei tinzwe mukuru wangu !’ NdiVaBiti avo.

Vakapirwa nyaya yose naVaTsvangirai. Semunhu gweta remakoko nerudo nebasa ravo VaBiti vaive neruzivo rwezvinhu zvakawanda kwazvo, zvinhu zvakasiyana siyana.

Ko Biti, unotii nazvo ? Tokurukura ndadzoka ? ‘

Miraipo ndinyatso ronga pfungwa dzangu. Nyaya iyi ndinoiziva.  Mirai ndinyatso funga….eh ….eh. Ya a ndaiona zvino. Nangidzo iri paapa izita raSarungano wenyu: Isopu . Kwete ESAP . Ichokwadi Isopu wekare aive nhapwa kunyika dzevaRungu, asi aibva kuIthiopia.  Dzimwe nguva, nyika dzatinoti Africa yevatema nguva dzino  yaingonzi Ithiopia makare iwayo. Aive mukombani sezvamareva.

Nyaya iyi iye pachake aiidura achiti : munhu mumwechete anogona kuita zvinhu zvakaipa chaizvo. Akaparara iye zviito zvake kazhinji hazvipere naye. Vamwe vanotora maiitiro ake voramba vachizvikuchidza. Saka kana muchida kuti uipi hupere, itai kuti zvinhu zvakaipa zvionekwe pachena nevanhu vese kuti zvakaipa, kunyange munhu wacho anozviita aripo achizivikanwa. Ndiko kuti apinde muguva nazvo.’

Farai Madzimbamuto

Dec 2008

Waita hako Barry Lungu

$
0
0

saturday-afternoon-on-the-lake-barry-lungu

Pandigere pano pachituro, ndakatarisa madziro. Akachena kuti mbuu. Hapana chimwe chiripo kunze kwe kakarenda kakati nama kunge kadzvanga. Ndikatarisa madziro, nguva dzose ndiko kandinoona. Kane mufano wemunhu agere pamutariro mudziva achi raura. Akandipira gotsi, saka hazvinyatsooneka kuti munhukadzi kana kuti munhurume.

Pandigere pano pachituro, ndikatarisa kurudyi ndinobva ndaona panze. Zuva riri kupinda nepa hwindo. Ndino ona matenga edzimba kusvika kuma gumo eziso. Ndiri paf’ro yechitatu. Dzimba dziri pedyo ndine maf’ro matatuwo. Pane imba yatakatarisana nayo, ndino ona mahwindo ayo, asi handiwone mukati. Ndinombo funga kuti vemo kana vachiringa kuno, vano ona mukati meyedu here. Semunhu ari kuraura uyo, akatipira gotsi, anofungidzira here kuti kunevanhu varikumuona.

Ndigere pano ndinonzwa rhedhiyo ichidandaura kutaura. Ino mukira kuseni, ino baka yega nasik’si. Yoswerera, kana ndiri pano. Dzimwe nguva ndino enda muneimwe rhumu, ndongoinzwa ichingo hon’era kunge zingizi. Iye zvino irikutaura kuti Gushungo ayenda kuChaina kunopemha. Baba vangu vakakurira muhurombo, asi vaiti, ‘Mwana’ngu, usaite rombe. Ukaita rombe unoguma wa’akupemha. Hapana chinhu chinobvisa hunhu sekupemha.’ Zita redu rava tsvina. Dai baba vangu vari vapenyu ndino ziva kuti vaiti, ‘Munhu anotsanzira tsanzira achizviitira.’ Semunhu ari mumufano wandakatarira uyu waka itwa naBerry Lungu.

Munhu uyu agere pamutariro akabata chirauro, makumbuko ake achiremberera pamvura. Mvura yacho ine mutaridziro wedenga rine twuchena twakapfekerwa kunge makoko ehove. Kumberi kuno, kwaakagara yakati svibirei, kunge pane kamumvuri kana kuti madzamiro edziva racho anooneka. Anondifungisa vasekuru vangu. Vaive shasha mumvura. Vaipinda nemambure. Rwizi rwekwedu, maivee! Rwaive nemadziva. Dziva iri masaisai acho ano onekera, nekafuru kacho kakadengezera pamhuno kachitambatamba semureza. Iyi mvura haisi kuvaima, inoita seiri kushinyira. Uko kure kunosangana pasi ne denga, hakuna musono. Denga rinenge dziva, asidziva haringe denga ba. Dai chirauro changa chisinga onekere kuti chirikuenda mberi, waiti munhu uyu akatarisa madziro, sezvandakaita ini.

Mugariro wake, akatipira gotsi, tisingaone chiso chake, musi weMugovera wakadaro; arikutandara zvake here kana kuti ari kuraurira poto? Ari kufunga nhamo dzake here? Ndakazviona, zvekungonakidzwa nekuraura. Vanhu vacho vano bata hove, voipengura, vachiiyera nekuipima. Isati yatanga kugapira mweya, voidzorera mumvura. Uyu munhu akanyatso zvigarira zvake. Haana gaba rekuisira hove dzake. Ane bojgera kuruboshe rwake. Rudzi rwaro rinenge rehwahwa. Munhu rume, nenguwani yake ndeyechirume. Inguwani fanika dzino pfekwa ne vanhu vekuno chengetedzwa mhuka: maNational Park. Kuti ari kuraurira nzara? Chiumbwa chaBerry Lungu ichi chinonzi: Saturday afternoon at the Lake. Kutandara zvake, ega.

Ndiri mudiki taienda kunoraura tapedza chikoro munguva yechirimo. Taidzoka kumba tichikokera mombe kumatanga. Isu vadiki taive netumagaba twedu, vakomana vakuru vaive ne nhava dzavainge varuka. Vairaurira hove hombe sema gwengwe nemburi nemaramba. Zvigwaya vaive vasinganyanyo zvifarira. Isu taifadzwa ne Madera ne zvigwaya. Idzi dzimwe dzine simba mumvura. Simba rekuti mwana mudiki ano bvutirwa chirauro kana kudhonzerwa mumvura. Asi mumwe musi, uri musi wemuGovera, nyama yehove yaidiwa kumba. Kwanga kusisina chekuseva nesadza: kana mhandire, kana mufushwa. Vana mbuya nana mai vakati, ‘Hombarume, shave renyu ka, ngarichiuya ritiponese.’ Tikabika sadza rehove: rakaoma kuti papata, rigoti munyu. Tikachera makonye. Tikadaidza imbwa. Ndiye mudungwe kurukova. Ndofunga hove dzanga dzatinzwa musi iwoyu. Taka pishinuka. Tikakwidza tika dzika. Kana kumbodyirwa, bodo. Pese patagara padziva, chirauro ziii. Zuva rava kurereke, nzara yabaya, tofunga nzara iri kumba: shungu ndipo padzino kwidza. Vakoma vakati, ‘Pane dziva repamangondo ratino ziva kuti pakamboonekwa nyamatsatsi, asi hapana ati aibata. Hendei ipapo tese. Asi vapfana musa pinde mumvura.’ Takaenda setiri kumarwisano. Dziva racho harina kudzika, asi rine matombo. Chirauro hachibatsire nekuti chinoramba chichi batirira pazvinhu. Mukoma wekwa babamukuru aigara ne mambure munhava mavo. Ndokua ati tande pazvimiti. Ivo nemumwe achisvokosva ndokupinda murukova, vachitevedza matombo ese. Nyamatsatsi yakasvibira se pasi pedziva. Ine simba rino tyisa, kunyanya iri huru. Takangonzwa mukoma voshevedzera kuti ‘Iyo! Iyo’. Vakati vakaona mvura kubvunduka pamberi pavo, pavanga vasati vasvokosva, gumbo ravo rikanzwa serarohwa chibakera. Yakazo buda mubako mayanga yahwanda, yadyungwa dyungwa, sebara. Asi yaka svikoti mumambure tunge. Kuisvakurira kunze zvino, hapana anga aziva makuriro ayo. Mumvura ino rema, igoti iri kurwa, imika imi! Yakaita zvekuzvuvirwa kunze, ikabvarura mambure. Pasi chaipo nyamatsatsi ino mhanya se nyoka. Zidanda chairo, mukuriro wayo. Hapana anga ane chekuirovesa. Demo pakawanda vanhu kudaro, kunyanya vadiki rino zokuvadza munhu. Taingo itevera tichiidzivira kuti isa dzokere mumvura. Takaswerera, murutsva, muvhu, muhuswa nayo. Kuzodzamara yaneta. Ndopayakozonzwi musoro ga! Nedemo. Uyu murume haana shungu. Kutotandara hake.

Magariro ake murume uyu, pamutara uyu akatipira gotsi, kuviga chiso chake here? Ari ega. Batye rake reruvara runenge ranjisi, rinenge rekupihwa nemwana kana muzukuru anosevenza pafakitori. Muviri wake, murume uyu anenge akura. Pamwe ari pamudyandigere. Haana zvinhu zvaka wanda muhupenyu hwake. Zvinondishayisa pfungwa nekuti ini ndine zvinhu zvakawanda chaizvo muhupenyu hwangu. Agere hake, kazuva kachimudziisa kurudyi, mumvuri wake kuruboshwe. Ruvara rwacho runo nyatsoita ruchisvibira. Kana dara racho, nemvura yacho ino ratidza zuva kurudyi, rarerekera.

Waita hako Berry Lungu, ndika gara pano ndichitarisa dzvanga riri pamadziro angu ndino ona kumusha. Ndikatarisa nepawhindo ndichiona dzimba dzemhiridzaniswa, ndichiona denga rino gara rakakwidibirwa nemakuti, mvura inoti kana yonaya inenge ichi tonhora, ndichinzwa chitima chitinhira chonanga Brighton, kana London, kana Eastbourne. Pfungwa dzangu dzinobva dzafunga kure ne kare. Ndakakura ndichiendao kuLake. Tichi tamba ne vamwe ikoko kudzamara yazove janha redu takura kuenda nevana veduwo ku Admiral’s Cabin, nekugocha nyama, nekuraura.

Pandigere pano, ndisati ndatekenya kombiyuta yangu, waita hako Berry Lungu.

Farai Madzimbamuto

Jan 2009

Musaemura Zimunya

Wonekano

$
0
0

pazvakavambwa, watambarara shamwari

ko, zvawafamba wega, mwana waMwari

chokwadi zvaguma here, wasiira ani

ndima yako . Ko kapadza kako, mupini

hakachina anobata. Watisiya hama tashama

dai ndaiziva chakakuroya, hama

chakakubaya chatibaya pahana

chatyokera munyika, hapachina kutana

hausiwega munzira, tichabatana

nemabasa ako haurovi ; watisiya kudai takashama.

tasvimha tose tose, kufunga iwe

kufunga vana, vako nevedu mwachewe

tinokuwana kupi kana worwadza mwoyo

zvawava nyikadzimu, waenda kumweya.

Farai Madzimbamuto

Jan 2009

[ndichiyeuka Chiremba Isidore Pazvakavambwa

akatisiya musi wa 25 Januari 2009]

I came, son….

$
0
0

I came, son, I came. . .

I came, but I did not go in

There were many already, many of them

I saw their limp faces, dulling eyes

They were waiting, maybe even hoping

I pushed my head through

I shook my head, I know not why.

I had heard, I heard

Words spoken in haste, with passion

Baskets full of words arrayed, some

Writhe and spit

Others prone in supplication

Words shooting straight, my earth moved

I could not believe

I had to feel for myself

The sound of pain had not moved me

I reach my hand to you

In the ground, I came

To press your body to mine

You had your piece of country

Pressing you

For now.

Farai Madzimbamuto

Maongororo

$
0
0

Maongororo ano gutsa meso senhumbu

Ndino ona maruva kutumbuka pamuti

Usina pfumvudza, kuti mwacha zidzumbu

Hwema huno tasva mhepo kuenda rwendo

Igwezvo kushiri nenyuchi, kwandiri paditi

Idonhodzo ndofunga shupiko renge hondo

Muchini unopipidza, wada kuti ndiongorore

Kundidzora ndigadzirise pasave nengozi pakati

Inozondi tevera kwandinoenda sendine chakaorera

Kuzeya kwaunoita muti mumhepo, turuva tuchidonha

Ndinonzwa uteta mumuviri, makore afuga makuti

Ndaataya ndirikure nepadare, ndiri kuno kumatonho

Muti uchaita muchero, uchadyiwa nevachauona

Ini chasara kukushumuka, ndoorera ndove sauti

Pakashaya ano paradza, pachava ne chekuona.


Farai Madzimbamuto

Chakasimba chiri mandiri – Labbi Siffre

$
0
0

[Pandaona rumbo rwuri kuimbwa seanthemu yeHIFA, ndati nditeerere. Rwandi zipa chaizvo.

Ndafunga kuti zvimwe zvingabatsirao mazwi acho akava muChiShona tianzwisise tose tose.

Hameno kuti anoimbika here [semunhu anehuyanga pakuimba] asi ndinofunga kuti pane vangapagonawo ipapo.  Hameno kuti pane anogonawo here kupinzwa rwiyo rwacho muChiNdevere kana imwe mitauro yemuZimbabwe. Tino tora zvakawanda zvekune dzimwe nyika tichizviita zvedu asi tisinga simudzire zvedu zvakanaka. Rwumbo harusi rwedu zvedu asi kurwuimba mumitauro yekwedu zvinga simudzire kuimba nenzira dzakasiyana siyana.]

zvipingidzo zvingakura pakadii

ndino kurao kuzvipfuura

kure kupi kungaiswa kodzero dzangu

ndino mhanya kusvika ikoko

kana mukandi ramba

kana kuringa zvenyu kumwe

hazvinei, nekuti…….

..

[korasi]

chakasimba chiri mandiri

ndino ziva kuti ndino zvikwanisa

kunditadzira kwamunoita

mai funga kuti handichina madado

asi pane chakasimba chiri mandiri

..

pamuno rambisisa kunzwa izwi rangu

ndipo pandino nyaudzisa rumbo rwangu

hwandai seri kwemazidziro eJeriko

manyepo enyu achaondomoka pasi

mungandi nyima zvenyu nguva yangu pano

muchiparadza upfumi nehwangu

asi mwenje wangu uchapenya chaizvo

uchakupoforai maziso

nekuti……

..

[korasi]

chakasimba chiri mandiri

ndino ziva kuti ndino zvikwanisa

kunditadzira kwamunoita

mai funga kuti handichina madado

asi pane chakasimba chiri mandiri.

..

vakoma ne hanzvadzi

vakasimbira vachiti hatikodzere

isu tinoziva zvimwe

ingo varingai pameso muchiti:

ndichangozviita chete

ndichangozviita chete.

..

[korasi]

chakasimba chiri mandiri

ndino ziva kuti ndino zvikwanisa

kunditadzira kwamunoita

mai funga kuti handichina madado

asi pane chakasimba chiri mandiri

..

vakoma ne hanzvadzi

vakasimbira vachiti hatikodzere

isu tinoziva zvimwe

ingo varingai pameso muchiti:

ndichangozviita chete

ndichangozviita chete.

..

muturiki : Farai Madzimbamuto


ZINARA Lady Involved In An Accident

$
0
0

by Tsitsi Ndabambi
An accident involving three cars has occurred this afternoon Thursday 06 March 2014 at an intersection of Herbert Chitepo street and 6th Avenue. An unidentified woman putting on a ZINARA uniform was injured. Featured below are images of the accident scene.IMG_8270 IMG_8249 IMG_8236 IMG_8235

ZIMBABWE TOURISM LEAVES INDELIBLE FOOTPRINTS AT ITB BERLIN 2014

$
0
0

by Tsitsi Ndabambi

The Zimbabwe Tourism industry made a very strong statement at the ongoing International Tourismus börse (ITB) Berlin 2014 which is taking place from 5-9 March 2014.
A record of 24 Zimbabwe companies collaborated in sync to promote Zimbabwe as a world of wonders destination brand.

The collaboration and support on the Zimbabwe stand went beyond the Zimbabwe operators such that even the UK based Routes Africa representative was on the Zimbabwe stand creating hype on the forthcoming Routes Africa Conference to be held in Zimbabwe, Victoria Falls in June 2014.
The immaculately dressed men and women from Zimbabwe, in their Original Zimbabwean made Khakhi shirts boldly emblazoned Zimbabwe, A world of wonders where a real wonder to watch as they were kept busy entertaining a multitude of both curious and excited visitors to the Zimbabwe stand.
Most of the operators had pre-booked appointments that kept them engaged for the duration of the show.
Visitors to the stand were left to marvel at the wonderful positive aura oozing in all the Zimbabwean exhibitors as they went about their business.
“This is the first time Zimbabwe tourism operators turned out in such large numbers at any ITB show.” confirmed Luke Brown the Managing Director of Vayeni and a member of the Joint Marketing Committee.
Being a first time participant at ITB, Luke said that Zimbabwe is firmly back on the map and it once again is an extremely competitive and favourable destination in Southern Africa.
His sentiments were echoed by Mr. Tendai Madziwanyika the CEO of Rainbow Tourism Group who was satisfied with his company’s feet of clinching over 4000 room nights during ITB 2014.
It is also encouraging to note that big German Operators such as Tui and Detour among others with a combined network of tour and travel agents of over 5 000 countrywide have also reintroduced Zimbabwe in their packages.

International Tourismus börse Berlin, is the world’s largest travel trade show.
Each year, over 10,000 exhibitors present dream destinations around the world – from Albania to Zimbabwe.
About 180,000 visitors come each year to be inspired and organize their “tour of the world” during the showcase.
As destinations create Unique Selling Points they now include emphasis on eco-tourism, cultural tourism, adventure travel, wellness journeys and culinary experiences.
Since March 1966, members of the travel industry, the media and interested parties from every continent have flocked to this trade fair in Berlin to get the latest information and make business deals for the coming year.
The first ITB Berlin had just nine exhibitors from five countries.
Travel business is an important focus since 1985.
In his address to the ITB participants, the UNWTO Secretary General Dr Talib Rifai reiterated the importance of easy visa regimes, opening up the skies and not overburdening the traveling public with taxes so that the over 1.5 billion travel projection by 2015 is realized.

Hope Masike To Rock Highfield

$
0
0

The nominee for Best International Artist for Zimbabwe Achievers Awards 2014 Hope Masike, will be jamming her new releases Matatya, Sungura inspired Wepepe du and the ballard Ndodiniko in her hometown Highfield.

Hope promises what she calls ‘feel-good, tasteful mbira music” from her current albums besides the new songs from the soon to be released album.

The not to be missed concert will be held on Saturday March 22 2014 at PaFiyo which is located at Machipisa Shopping complex.

This is her first time to perform in her home town right after her Bulawayo and Harare Francophone concerts.

The concert will be staged by Hope Masike and her vibrant band comprising of Elisha Herema, drummer Malvern Cheremari, percussionist and dancer Blessed Rukweza, marimba player Courage Chikowo and guitarist Frank Mavhimira.

On the move to perform in Highfield Hope said, “I was born and raised in Highfield and it has always been my desire to perform there ever since my music career. There are many friends and neighbours who have never managed to come to the venues I normally perform. So this chance to stage a show at home is very special for me. Now vana mai Fungai nana mkoma nhingi can come and enjoy my music very easily.”

Masike believes there is a misconception that alternative music is not consumable in
the ghettos.

She commented that other music styles like jazz should improve to avoid being overshadowed by Zim Dancehall which she applauds for capturing masses.
The move to take music to the people, is an advise the she got from Oliver Mtukudzi, with Highfield as her stepping stone.

Hope plans to take her mbira music to all parts of Zimbabwe

With only just two albums to her career, Hope Masike has taken mbira music into new music spaces.

Hope brought home the exciting World music outfit, ‘Monoswezi’ (Mozambique,-Norway-Sweden -Zimbabwe).

In the year 2012 she collaborated with the Zimbabwean Hip Hop outfit, The Monkey Nuts and performed extensively at festivals in Zimbabwe and South Africa.

She also performed at HIFA 2013 in a regional collaboration with famous South
African pianist Bokani Dyer and Mozambican saxophonist Muzila Malembe, a collaboration that toured festivals in Southern Africa.

Hope Masike has fused mbira as we know it with many music styles like Jazz and Sungura.

She has even done versions of Christmas carols and hymns on mbira.

Her efforts did not go unnoticed as she was awarded the Outstanding Female musician for 2012 NAMA awards.

Her collaboration with Monoswezi was also recently nominated for best Cross CulturalCollaboration for Songlines World Music Awards 2014.

by Tsitsi Ndabambi

UK-based Zimbo designer unveils bridal collection

$
0
0

The Derby Telegraph’s Wedding Spectacular takes place on Sunday March 30, offering a feast of ideas to people planning to tie the knot.

Organiser Stephanie Brown said: “This weekend’s wedding show is destined to be one of the best ones ever. We have an amazing variety of exhibitors, showcasing everything from fabulous venues, flowers, bridal and menswear to wedding cars, music and magic.

“We even have a talented young Derby-based bridalwear designer with us who can make unique made-to-measure gowns.”

Designer Chipo Sibotshiwe, 27, will be at the event with her business.

Chipo, 27, who originates from Zimbabwe, but has lived in Derby for 11 years, aired her first bridal collection, Dressed For Love, at The Enterprise Centre, Bridge Street, Derby, on Thursday.

The designer, whose parents moved with her to the UK to aid her fashion career, has seen her business blossom in the last five years.

She said: “I was commissioned to design an evening dress worn at the Miss World 2009 pageant by the contestant from Zimbabwe at the finals held in South Africa.

“The following year my collection opened the first ever Zimbabwe Fashion Week and then I debuted at African Fashion Week London in 2011.

“Since November 2012, I have been working with the Princes Trust to progress my business. They have been fantastic.”

Chipo, who studied for a BA (Hons) degree in design at New College, Nottingham, offers made-to-measure style for the ultimate fit.

Bridal fashion has always been at the heart of her plans, hence her debut bridal collection launched this week.

Chipo said: “The concept of Thursday’s event (was) to create a diverse environment to introduce the new collection.

“There (was) a fusion of bridal fashion and African percussion from the amazing Arimba Arts band. It represented the diverse nature of our brand. Expect something completely different.

“I’m looking forward to Sunday’s wedding fair too and hope to see lots of people there.”

Chipo will be on hand to chat to brides to be about bespoke wedding dresses. “People often struggle to get the fit they want which is where I can help,” she said.

Chipo Bespoke provides a dress design service with prices from £150. It can also arrange for a unique print to be designed to make your dress even more special. Derbytelegraph.co.uk

How To Speak To Sell Your Personal Brand

$
0
0
Many people find it challenging when they are faced with the critical question of telling people a bit about themselves
.Below is a speech model which i have found to be useful when i find myself in such a situation where i have to speak so that i can get access to a key meeting with a key person.
1) Branding your name
There is something extraordinary about how people will remember you because of your name,nickname or surname.It may be because of the way it is pronounced,spelt,origins or its meaning.
Use it to your advantage to ensure that it enables people to think of you when associated matters arise because of your name,nickname or surname.
For example : My name is Walter Chimene and I am an internationally accredited professional speaker.
Walter is a name of German origin and it means ruler of the army or commander.
Chimene is a Shona surname and it means town crier.
People( my nickname) call me “mr speaker sir’
2) Branding your personal value
In this case you clearly share the name of your organisation, its core business, the title that you hold ,the roles that are assigned to you and the responsibilities that your portfolio carries.
For example: I am the Speaker- In- Chief of a brand called Eloquent Solutions.
Its a phenomenal speaking consultancy.
Its focus is to enable people who are geniuses to put their brilliance into words and dazzle.
3) Branding your career trajectory
This is where you mention what you are by different but aligned dimensions. You mention what you are by training, by experience,by calling, by faith, by passsion and by destiny.
The training dimension will cover what you have gone through in terms of academic exposure in terms of programmes,institutions and accredited platforms that you have had a romance with.The experience dimension allows you to mention  the key lesson that you have learned about yourself from  organisations that you have been involved with either as a founder, advisor, board member, investor, team leader or employee. The calling dimension allows  you to share where your passion is anchored in in terms of personal development, personal energy and leadership philosophy. The destiny dimension allows you to explore your bigger picture in life, ultimate vision and legacy model that you wish to leave for future generations. The faith dimension allows you to signify what you believe is possible or impossible in your life.
For example:By training I am a professional speaker,by experience i am a fire brand consultant,by calling i am a thought leader,by faith i am a global mover and shaker,by passion i am an entrepreneurial zealot and by destiny i am a pioneering  history maker.
4) Branding your milestones of networks
This is where you mention the awards, recognitions and honourarisms  that you have received in terms of their number,scope,criteria,categories and the years that you were honoured.Debrief in summary the names of the organisations that honoured you and highlight their core businesses.Classify if there are any unique specifications of the recognitions you received as in such cases where you were the first,only or last to be recognised by the organisations under discussion.
There are instances where the key way for you to be taken seriously is for you to name drop.This may include dropping names of high profile people,organisations or families that have already endorsed the vision,potential,talents or skills that you posses.
For example: I am an internationally accredited professional speaker,a graduate of a 10 year mentorship programme on world class performance,currently the only african on a mentorship programme on thought leadership being facilitated by a prominent globally recognised billionaire and recently i completed a 10 000 hour prgramme (5 years into it) to secure a prestigious place among some global fire brands in public speaking.I have also been acknowledged by several local,continental and global platforms,forums and summits as a rising trendsetting thought leader.
5) Branding your unique value or selling proposition
This is where you pre empty and answer the tough  questions associated with personal branding that people ask when they dont know you or are not too sure what is it exactly you do for a a living eg  what makes you special, why should we care who the heck are you  or so what?
You must give practical examples of how you can help your audience to solve their problems, ease their worries, sooth their troubles or enable their agendas to move forward by becoming bigger, better or best.

For example: I help geniuses put their brilliance into words and dazzle.For instance, with visionaries I help them to  craft their messages in a moderate futuristic model so that they may not be mistakened with  prophets, fortune tellers or hipnotists. With creative entrepreneurs I help them define their natural speaking styles so that when they sharpen their business concepts they embrace the language of financial literacy it can make sense to potential investors and with revolutionaries I help them to define their disregard of the status qou, help them to shape their propaganda manifestos and help them to  pitch alternative new order or paradigm in a sensational bias of pragmatic words, themes, phrases, qoutations and pay off lines and this enables them to become the faces of the revolutions they are pursuing.

Viewing all 40 articles
Browse latest View live