![saturday-afternoon-on-the-lake-barry-lungu]()
Pandigere pano pachituro, ndakatarisa madziro. Akachena kuti mbuu. Hapana chimwe chiripo kunze kwe kakarenda kakati nama kunge kadzvanga. Ndikatarisa madziro, nguva dzose ndiko kandinoona. Kane mufano wemunhu agere pamutariro mudziva achi raura. Akandipira gotsi, saka hazvinyatsooneka kuti munhukadzi kana kuti munhurume.
Pandigere pano pachituro, ndikatarisa kurudyi ndinobva ndaona panze. Zuva riri kupinda nepa hwindo. Ndino ona matenga edzimba kusvika kuma gumo eziso. Ndiri paf’ro yechitatu. Dzimba dziri pedyo ndine maf’ro matatuwo. Pane imba yatakatarisana nayo, ndino ona mahwindo ayo, asi handiwone mukati. Ndinombo funga kuti vemo kana vachiringa kuno, vano ona mukati meyedu here. Semunhu ari kuraura uyo, akatipira gotsi, anofungidzira here kuti kunevanhu varikumuona.
Ndigere pano ndinonzwa rhedhiyo ichidandaura kutaura. Ino mukira kuseni, ino baka yega nasik’si. Yoswerera, kana ndiri pano. Dzimwe nguva ndino enda muneimwe rhumu, ndongoinzwa ichingo hon’era kunge zingizi. Iye zvino irikutaura kuti Gushungo ayenda kuChaina kunopemha. Baba vangu vakakurira muhurombo, asi vaiti, ‘Mwana’ngu, usaite rombe. Ukaita rombe unoguma wa’akupemha. Hapana chinhu chinobvisa hunhu sekupemha.’ Zita redu rava tsvina. Dai baba vangu vari vapenyu ndino ziva kuti vaiti, ‘Munhu anotsanzira tsanzira achizviitira.’ Semunhu ari mumufano wandakatarira uyu waka itwa naBerry Lungu.
Munhu uyu agere pamutariro akabata chirauro, makumbuko ake achiremberera pamvura. Mvura yacho ine mutaridziro wedenga rine twuchena twakapfekerwa kunge makoko ehove. Kumberi kuno, kwaakagara yakati svibirei, kunge pane kamumvuri kana kuti madzamiro edziva racho anooneka. Anondifungisa vasekuru vangu. Vaive shasha mumvura. Vaipinda nemambure. Rwizi rwekwedu, maivee! Rwaive nemadziva. Dziva iri masaisai acho ano onekera, nekafuru kacho kakadengezera pamhuno kachitambatamba semureza. Iyi mvura haisi kuvaima, inoita seiri kushinyira. Uko kure kunosangana pasi ne denga, hakuna musono. Denga rinenge dziva, asidziva haringe denga ba. Dai chirauro changa chisinga onekere kuti chirikuenda mberi, waiti munhu uyu akatarisa madziro, sezvandakaita ini.
Mugariro wake, akatipira gotsi, tisingaone chiso chake, musi weMugovera wakadaro; arikutandara zvake here kana kuti ari kuraurira poto? Ari kufunga nhamo dzake here? Ndakazviona, zvekungonakidzwa nekuraura. Vanhu vacho vano bata hove, voipengura, vachiiyera nekuipima. Isati yatanga kugapira mweya, voidzorera mumvura. Uyu munhu akanyatso zvigarira zvake. Haana gaba rekuisira hove dzake. Ane bojgera kuruboshe rwake. Rudzi rwaro rinenge rehwahwa. Munhu rume, nenguwani yake ndeyechirume. Inguwani fanika dzino pfekwa ne vanhu vekuno chengetedzwa mhuka: maNational Park. Kuti ari kuraurira nzara? Chiumbwa chaBerry Lungu ichi chinonzi: Saturday afternoon at the Lake. Kutandara zvake, ega.
Ndiri mudiki taienda kunoraura tapedza chikoro munguva yechirimo. Taidzoka kumba tichikokera mombe kumatanga. Isu vadiki taive netumagaba twedu, vakomana vakuru vaive ne nhava dzavainge varuka. Vairaurira hove hombe sema gwengwe nemburi nemaramba. Zvigwaya vaive vasinganyanyo zvifarira. Isu taifadzwa ne Madera ne zvigwaya. Idzi dzimwe dzine simba mumvura. Simba rekuti mwana mudiki ano bvutirwa chirauro kana kudhonzerwa mumvura. Asi mumwe musi, uri musi wemuGovera, nyama yehove yaidiwa kumba. Kwanga kusisina chekuseva nesadza: kana mhandire, kana mufushwa. Vana mbuya nana mai vakati, ‘Hombarume, shave renyu ka, ngarichiuya ritiponese.’ Tikabika sadza rehove: rakaoma kuti papata, rigoti munyu. Tikachera makonye. Tikadaidza imbwa. Ndiye mudungwe kurukova. Ndofunga hove dzanga dzatinzwa musi iwoyu. Taka pishinuka. Tikakwidza tika dzika. Kana kumbodyirwa, bodo. Pese patagara padziva, chirauro ziii. Zuva rava kurereke, nzara yabaya, tofunga nzara iri kumba: shungu ndipo padzino kwidza. Vakoma vakati, ‘Pane dziva repamangondo ratino ziva kuti pakamboonekwa nyamatsatsi, asi hapana ati aibata. Hendei ipapo tese. Asi vapfana musa pinde mumvura.’ Takaenda setiri kumarwisano. Dziva racho harina kudzika, asi rine matombo. Chirauro hachibatsire nekuti chinoramba chichi batirira pazvinhu. Mukoma wekwa babamukuru aigara ne mambure munhava mavo. Ndokua ati tande pazvimiti. Ivo nemumwe achisvokosva ndokupinda murukova, vachitevedza matombo ese. Nyamatsatsi yakasvibira se pasi pedziva. Ine simba rino tyisa, kunyanya iri huru. Takangonzwa mukoma voshevedzera kuti ‘Iyo! Iyo’. Vakati vakaona mvura kubvunduka pamberi pavo, pavanga vasati vasvokosva, gumbo ravo rikanzwa serarohwa chibakera. Yakazo buda mubako mayanga yahwanda, yadyungwa dyungwa, sebara. Asi yaka svikoti mumambure tunge. Kuisvakurira kunze zvino, hapana anga aziva makuriro ayo. Mumvura ino rema, igoti iri kurwa, imika imi! Yakaita zvekuzvuvirwa kunze, ikabvarura mambure. Pasi chaipo nyamatsatsi ino mhanya se nyoka. Zidanda chairo, mukuriro wayo. Hapana anga ane chekuirovesa. Demo pakawanda vanhu kudaro, kunyanya vadiki rino zokuvadza munhu. Taingo itevera tichiidzivira kuti isa dzokere mumvura. Takaswerera, murutsva, muvhu, muhuswa nayo. Kuzodzamara yaneta. Ndopayakozonzwi musoro ga! Nedemo. Uyu murume haana shungu. Kutotandara hake.
Magariro ake murume uyu, pamutara uyu akatipira gotsi, kuviga chiso chake here? Ari ega. Batye rake reruvara runenge ranjisi, rinenge rekupihwa nemwana kana muzukuru anosevenza pafakitori. Muviri wake, murume uyu anenge akura. Pamwe ari pamudyandigere. Haana zvinhu zvaka wanda muhupenyu hwake. Zvinondishayisa pfungwa nekuti ini ndine zvinhu zvakawanda chaizvo muhupenyu hwangu. Agere hake, kazuva kachimudziisa kurudyi, mumvuri wake kuruboshwe. Ruvara rwacho runo nyatsoita ruchisvibira. Kana dara racho, nemvura yacho ino ratidza zuva kurudyi, rarerekera.
Waita hako Berry Lungu, ndika gara pano ndichitarisa dzvanga riri pamadziro angu ndino ona kumusha. Ndikatarisa nepawhindo ndichiona dzimba dzemhiridzaniswa, ndichiona denga rino gara rakakwidibirwa nemakuti, mvura inoti kana yonaya inenge ichi tonhora, ndichinzwa chitima chitinhira chonanga Brighton, kana London, kana Eastbourne. Pfungwa dzangu dzinobva dzafunga kure ne kare. Ndakakura ndichiendao kuLake. Tichi tamba ne vamwe ikoko kudzamara yazove janha redu takura kuenda nevana veduwo ku Admiral’s Cabin, nekugocha nyama, nekuraura.
Pandigere pano, ndisati ndatekenya kombiyuta yangu, waita hako Berry Lungu.
Farai Madzimbamuto
Jan 2009